RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Mateu 9:3, 4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 3 Vamwe vanyori vakabva vatanga kutaurirana vachiti: “Munhu uyu ari kumhura.” 4 Jesu, achiziva zvavaifunga, akati: “Muri kufungirei zvinhu zvakaipa mumwoyo menyu?+

  • Mako 2:6-8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 6 Paivawo nevamwe vanyori vaivapo, vainge vakagara vachifunga nechemumwoyo+ kuti: 7 “Munhu uyu ari kutaurirei saizvozvi? Ari kumhura. Ndiani angaregerera zvivi kunze kwaMwari chete?”+ 8 Asi Jesu akabva angoziva mumwoyo make kuti vakanga vachifunga saizvozvo pakati pavo, saka akati kwavari: “Muri kufungirei zvinhu izvi mumwoyo menyu?+

  • Johani 1:47, 48
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 47 Jesu akaona Natanieri achiuya kwaari, akati nezvake: “Onai, muIsraeri wechokwadi asina unyengeri.”+ 48 Natanieri akati kwaari: “Munondiziva sei?” Jesu akamupindura kuti: “Usati watomboshevedzwa naFiripi, pawanga uri pasi pemuonde, ndakuona.”

  • Johani 6:64
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 64 Asi pane vamwe venyu vasingatendi.” Nekuti Jesu aiziva kubva pakutanga kuti ndivanaani vakanga vasingatendi uye kuti ndiani aizomutengesa.+

  • Zvakazarurwa 2:23
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 23 Ndichauraya vana vake nedenda rakaipisisa, kuti ungano dzese dzizive kuti ndini iye anoongorora pfungwa dzakadzama* nemwoyo, uye ndichapa munhu mumwe nemumwe zvinoenderana nemabasa ake.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe