-
2 Makoronike 6:32, 33Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
32 “Uyewo munhu wekune imwe nyika, asiri wevanhu venyu vaIsraeri, uya anouya kubva kunyika iri kure nekuda kwezita renyu guru*+ uye nekuda kweruoko rwenyu rune simba neruoko rwenyu rwakatambanudzwa, akauya akanyengetera akatarisa kuimba iyi,+ 33 teererai muri kudenga, iyo nzvimbo yenyu yamunogara, muite zvese zvamunokumbirwa nemunhu wacho wekune imwe nyika, kuti marudzi ese epanyika azive zita renyu+ okutyai, sezvinoitwa nevanhu venyu vaIsraeri, uye kuti azive kuti zita renyu riri paimba iyi yandavaka.
-