-
1 Samueri 12:3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
3 Ndini ndiri pano. Kana muine chekundipomera, taurai pamberi paJehovha uye pamberi pemuzodziwa wake:+ Ndiani wandakatorera mombe yake kana dhongi rake?+ Kana kuti ndiani wandakabiridzira kana kuti wandakadzvinyirira? Ndakagamuchira chiokomuhomwe* kubva muruoko rwaani kuti ndipe mutongo usina kururama?+ Kana ndakakuitirai izvozvo, ndichakudzorerai zvinhu zvenyu.”+
-
-
1 VaKorinde 9:11, 12Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
11 Kana takadyara zvinhu zvemweya pakati penyu, pane chakaipa here kana tikazokohwa zvinhu zvinotitsigira pakurarama kubva kwamuri?+ 12 Kana vamwe vanhu vaine kodzero iyi pamuri, ko isu hatina kodzero inotopfuura yavo here? Kunyange zvakadaro, hatina kushandisa kodzero iyi,+ asi tiri kutsungirira zvinhu zvese, kuti tisambokanganisa mashoko akanaka pamusoro paKristu.+
-