-
VaRoma 15:26, 27Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
26 Nekuti vekuMakedhoniya neAkaya vakafara kupawo zvimwe zvinhu zvavo semupiro kuti upiwe varombo vari pakati pevatsvene kuJerusarema.+ 27 Chokwadi, vakazviita vachifara, uye vakanga vaine chikwereti navo; nekuti sezvo vemamwe marudzi vakabatsirwawo navo pazvinhu zvemweya, ivowo vanofanira kuvashumira nezvinhu zvekurarama nazvo.+
-
-
VaFiripi 4:15-17Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
15 Ndingatoti, imi vaFiripi munozivawo kuti pamakatanga kudzidza mashoko akanaka, pandakabva kuMakedhoniya, hapana imwe ungano kunze kwenyu yakabatana neni panyaya yekupa nekugamuchira;+ 16 nekuti pandaiva kuTesaronika, imi makatumira zvinhu zvekundibatsira pane zvandaishayiwa, kwete kamwe chete asi kaviri. 17 Hakusi kuti ndiri kuda kupiwa chipo, asi kuti ndiri kuda zvibereko zvichawedzera pfuma yenyu.
-