RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Isaya 26:19
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 19 “Vakafa venyu vachararama.

      Zvitunha zvangu* zvichamuka.+

      Mukai mupembere nemufaro,

      Imi vagari vemuguruva!+

      Nekuti dova renyu rakaita sedova remangwanani,*

      Uye nyika icharega vaya vasina simba vari murufu vachiva vapenyu.*

  • Mateu 22:31, 32
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 31 Nezvekumuka kwevakafa, hamuna kuverenga here zvakataurwa naMwari kwamuri, achiti: 32 ‘Ndini Mwari waAbrahamu naMwari waIsaka naMwari waJakobho’?+ Iye haasi Mwari wevakafa, asi wevapenyu.”+

  • Ruka 14:13, 14
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Asi kana waita mabiko, koka varombo, mhetamakumbo, vanokamhina, mapofu;+ 14 uye uchafara, nekuti havana chekukubhadhara nacho. Nekuti uchabhadharwa pachamutswa+ vakarurama.”

  • Johani 5:28, 29
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 28 Musashamiswa neizvi, nekuti nguva iri kuuya yekuti vese vari mumakuva evanoyeukwa vachanzwa inzwi rake,+ 29 vobuda, vaya vakaita zvakanaka vachamukira upenyu, uye vaya vaiita zvakaipa vachamukira kutongwa.+

  • Johani 11:25
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 25 Jesu akati kwaari: “Ndini rumuko neupenyu.+ Anotenda mandiri, kunyange akafa, achava mupenyu;

  • VaHebheru 11:35
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 35 Vakadzi vakagamuchira vakafa vavo vamutswa,+ asi vamwe varume vakatambudzwa nekuti vakaramba kusunungurwa nerumwe rudzikinuro, kuti vawane rumuko ruri nani.

  • Zvakazarurwa 20:12
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 12 Uye ndakaona vakafa, vakuru nevadiki, vamire pamberi pechigaro cheumambo, uye magwaro* akavhurwa. Asi pane rimwe gwaro rakavhurwa; iro gwaro reupenyu.+ Vakafa vakatongwa pachishandiswa zviya zvakanga zvakanyorwa mumagwaro acho maererano nemabasa avo.+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe