3 Imi madzimai itaiwo saizvozvo muchizviisa pasi pevarume venyu,+ kuti kana paine vasingateereri shoko, vasvike pakuteerera pasina shoko rataurwa zvichibva pane zvinoitwa nemadzimai avo,+ 2 nekuti vanenge vaona vega zvinhu zvakanaka zvamunoita+ uye kuremekedza kwenyu kukuru.