8 Ndakabira dzimwe ungano pandaigamuchira zvavaindipa kuti ndikushumirei.+ 9 Pandakanga ndiinemi, ndikashayiwa, hapana kana wandakaremedza, nekuti hama dzakabva kuMakedhoniya ndidzo dzakandipa zvese zvandaida.+ Ndaiedza kusambokuremedzai uye ndicharamba ndichidaro.+