11 Pfekai zvipfeko zvakakwana zvemurwi+ zvinobva kuna Mwari kuti mukwanise kumira makasimba pakurwisana nemanomano aDhiyabhorosi; 12 nekuti hatisi kurwisana+ neropa nenyama, asi nehurumende, nevane masimba, nevatongi venyika verima rino, nemasimba emweya yakaipa+ ari munzvimbo dzemumatenga.