10 Asi pashure pekunge matambura kwenguva diki, Mwari wenyasha dzese, uyo akakudanai kuti mupinde mukubwinya kwake kusingaperi+ pamwe naKristu, iye pachake achapedzisa kukudzidzisai. Achakutsigisai,+ achakusimbisai,+ uye achaita kuti mumire makasimba.