11 Nekuti tiri kunzwa kuti kune vamwe vari kufamba zvisina kukodzera pakati penyu,+ vasingamboshandi asi vachipindira munyaya dzisinei navo.+ 12 Vanhu vakadaro tiri kuvaudza uye tiri kuvakurudzira munaShe Jesu Kristu, kuti vanofanira kushanda vakanyarara vachidya zvekudya zvavanoshandira.+