-
Numeri 18:6, 7Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Ini ndatora hama dzenyu, vaRevhi, pakati pevaIsraeri, kuti vave chipo chenyu.+ Vakapiwa kuna Jehovha kuti vaite basa repatende rekusanganira.+ 7 Iwe nevanakomana vako munofanira kuita mabasa enyu eupristi ane chekuita neatari nezvinhu zviri mukati meketeni,+ uye munofanira kuita basa iri.+ Ndakupai basa reupristi sechipo chenyu, uye munhu wese asina mvumo* anoswedera pedyo anofanira kuurayiwa.”+
-