-
Genesisi 27:38-40Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
38 Isau akati kuna baba vake: “Munongova nechikomborero chimwe chete here, baba? Ndikomborerei neniwo baba!” Isau akabva atanga kuchema achiridza mhere.+ 39 Saka baba vake Isaka vakamupindura kuti:
“Uchagara kure nevhu rakaorera repasi, uye kure nedova rekudenga kumusoro.+ 40 Uchararama nebakatwa rako,+ uye uchashandira munin’ina wako.+ Asi paunoshaya zororo, chokwadi uchatyora joko rake pamutsipa wako.”+
-