-
Maraki 1:2, 3Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
2 “Ndakakuratidzai rudo,”+ anodaro Jehovha.
Asi imi munoti: “Makatiratidza rudo sei?”
“Isau akanga asiri mukoma waJakobho here?”+ ndizvo zvinotaurwa naJehovha. “Asi ndakada Jakobho, 3 ndikavenga Isau;+ uye ndakaita kuti makomo ake asare asina chinhu,+ ndikaita kuti nhaka yake isare ichigarwa nehunguhwe* dzemurenje.”+
-