18 Vanhu vese vakanga vachinzwa mabhanan’ana nemheni, nekurira kwehwamanda, gomo richipfungaira; uye pavakaona izvi vakadedera, vakamira nechekure.+ 19 Saka vakati kuna Mozisi: “Imi taurai nesu, uye tichateerera, asi musarega Mwari achitaura nesu, nekuti tinotya kuti tingafa.”+