6 Teerera! Pane munhu ari kuti: “Shevedzera!”
Mumwe ari kubvunza kuti: “Ndoshevedzera kuti chii?”
“Vanhu vese uswa hwakasvibirira.
Kuvimbika kwavo kwese kwakaita* seruva remusango.+
7 Uswa hwakasvibirira hunooma,
Ruva rinooma,+
Nekuti mweya wekufema* waJehovha unozvifuridza.+
Chokwadi vanhu vanongovawo uswa hwakasvibirira.