RAIBHURARI YEPAINDANETI yeWatchtower
RAIBHURARI YEPAINDANETI
yeWatchtower
Shona
  • BHAIBHERI
  • MABHUKU
  • MISANGANO
  • Dheuteronomi 15:7, 8
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 7 “Kana imwe yehama dzako ikava murombo pakati pako mune rimwe remaguta ako, munyika yauri kupiwa naJehovha Mwari wako, usaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko rwako kuhama yako murombo.+ 8 Nekuti unofanira kupfumbanura ruoko rwako uchimupa+ uye unofanira kumukweretesawo zvese zvaanoda kana kuti zvaanoshayiwa.

  • Mateu 25:35, 36
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 35 Nekuti ndaiva nenzara mukandipa chekudya; ndaiva nenyota mukandipa chekunwa. Makanga musingandizivi, ndisina pekugara, mukandigamuchira zvakanaka mudzimba dzenyu;+ 36 ndakanga ndisina kupfeka,* mukandipfekedza.+ Ndakarwara mukandipepa. Ndakanga ndiri mujeri mukandishanyira.’+

  • Ruka 3:11
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 11 Akavapindura kuti: “Munhu ane nguo mbiri ngaapewo asina, uye ane zvekudya ngaaitewo saizvozvo.”+

  • VaRoma 12:13
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 13 Ipaiwo vatsvene zvavanenge vachishayiwa.+ Garai muchigamuchira vaenzi zvakanaka.+

  • 1 Timoti 5:4
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 4 Asi kana chirikadzi iine vana kana vazukuru, ivava ngavatange kuratidza kuti vakazvipira kuna Mwari mumba mavo+ uye ngavachichengetawo vabereki vavo navanambuya vavo,+ nekuti izvi ndizvo zvinofadza Mwari.+

  • Jakobho 1:27
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 27 Kunamata kwakachena uye kusina kusviba kuna Mwari wedu uye Baba vedu ndeuku: kuchengeta nherera+ nechirikadzi+ pakutambudzika kwadzo,+ uye kuramba usina kusvibiswa nenyika.+

  • 1 Johani 3:17
    Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
    • 17 Asi munhu ane zvekurarama nazvo zvenyika ino akaona hama yake ichishayiwa, oramba kuinzwira tsitsi, angati anoda Mwari here?+

Mabhuku eChiShona (1973-2026)
Buda
Pinda
  • Shona
  • Tumirawo Vamwe
  • Zvaunofarira
  • Copyright © 2026 Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania
  • Terms of Use
  • Privacy Policy
  • Privacy Settings
  • JW.ORG
  • Pinda
Tumirawo Vamwe