-
VaRoma 12:6-8Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
6 Saka sezvo tiine zvipo zvakasiyana maererano nenyasha dzatakangoratidzwawo,+ kana chiri chipo chekuprofita, ngatiprofitei zvinoenderana nekutenda kwedu; 7 kana huri ushumiri, ngativei paushumiri uhwu; kana kuti uya anodzidzisa, ngaave pakudzidzisa kwake;+ 8 kana kuti uya anokurudzira, ngaakurudzire;+ uya anopa,* ngaazviite akasununguka;+ uya anotungamirira, ngaazviite nemwoyo wese;+ uya anonzwira vamwe tsitsi, ngaazviite achifara.+
-