-
Eksodho 9:23-25Bhaibheri—Shanduro yeNyika Itsva
-
-
23 Saka Mozisi akasimudza tsvimbo yake kudenga, uye Jehovha akaunza mabhanan’ana nechimvuramabwe, uye moto* wakadzika panyika, uye Jehovha akaramba achinayisa chimvuramabwe panyika yeIjipiti. 24 Kwaiva nechimvuramabwe, uye kwaiva nemoto waipenya mukati mechimvuramabwe. Chakanga chakakura chaizvo; kwakanga kusati kwamboitika zvakadaro munyika yacho kubvira payakatanga kugarwa nevaIjipiti serudzi.+ 25 Chimvuramabwe chacho chakarova zvinhu zvese zvaiva kunze munyika yese yeIjipiti, kubvira pavanhu kusvikira kumhuka, uye chakarova zvinomera zvese, chikaparadza miti yese yesango.+
-