Jobho
28 “Pane nzvimbo inocherwa sirivha
Nenzvimbo yegoridhe ravanonatsa;+
2 Simbi inotorwa muvhu,
Uye mhangura inodururwa ichibva mumatombo.+
4 Anochera mugodhi kure nekunogara vanhu,
Kunzvimbo dzakakanganwika, dziri kure nekunofambwa nevanhu;
Vamwe varume vanodzika pasi vorembera.
5 Zvekudya zvinobuda pamusoro penyika;
Asi pasi payo, pari kushandurwa-shandurwa sekunge iri mumoto.*
6 Mumatombo iwayo mune safaya,
Uye guruva rine goridhe.
7 Hapana gondo rinoziva nzira inoendako;
Ziso rengavi nhema harisati raiona.
8 Hapana chikara chikuru chati chaitsika;
Shumba ine simba haisati yambonyahwaira ikoko.
9 Munhu anorova dombo rakaomarara neruoko rwake;
Anopidigura makomo nechepasi pawo.
11 Anogadzira madhamhu panotangira nzizi
Uye anoisa pachiedza chinhu chakavanzwa.
12 Asi uchenjeri hungawanikwa kupi?+
Uye kunzwisisa kunobva kupi?+
14 Mvura yakadzika inoti, ‘Hahusi mandiri!’
Uye gungwa rinoti, ‘Handisiri ini ndinahwo!’+
17 Goridhe negirazi hazvigoni kuenzaniswa nahwo;
Hapana kana mudziyo wegoridhe rakanatswa ungachinjaniswa nahwo.+
18 Matombo ekorari nekristaro haatomboverengwi,+
Nekuti homwe izere neuchenjeri inokosha kupfuura izere nemaparera.
20 Asi uchenjeri hunobva kupi?
Uye kunzwisisa kunobva kupi?+
21 Hwakavanzirwa maziso echinhu chese chipenyu+
Uye hwakavanzirwa shiri dzekudenga.
22 Kuparadza nerufu zvinoti,
‘Nzeve dzedu dzakangoita zvekunzwa chete nezvahwo.’
23 Mwari anonzwisisa nzira yekuhuwana;
Iye chete ndiye anoziva kwahunogara,+
24 Nekuti anotarisa kunogumira nyika,
Uye anoona zvese zviri pasi pedenga.+
Uye paakayera mvura,+
26 Paakapa mvura inonaya murau+
Uye gore redutu rine mabhanan’ana nzira yaro,+
27 Akabva aona uchenjeri, ndokutsanangura zvahuri;
Akahutanga, ndokuhuedza.
28 Uye akati kumunhu: