Isaya
38 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvekuda kufa.+ Muprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi akauya akati kwaari, “Zvanzi naJehovha: ‘Ronga nyaya dzemhuri yako, nekuti uchafa; hausi kuzopora.’”+ 2 Hezekiya akabva atarisa kumadziro, akatanga kunyengetera kuna Jehovha achiti: 3 “Ndinokutetererai, haiwa Jehovha, ndapota yeukai+ kuti ndakafamba pamberi penyu ndakatendeka, nemwoyo wakaperera kwamuri,+ uye kuti ndakaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akabva atanga kuchema chaizvo.
4 Shoko raJehovha rakabva rauya kuna Isaya, richiti: 5 “Dzokera unoti kuna Hezekiya,+ ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako.+ Ndaona misodzi yako.+ Ndichawedzera makore 15 paupenyu hwako,*+ 6 uye ndichakununura iwe neguta rino paruoko rwamambo weAsiriya, uye ndicharwira guta rino.+ 7 Ichi ndicho chiratidzo chinobva kuna Jehovha chekuti Jehovha achaita zvaataura:+ 8 Ndichaita kuti mumvuri waiswa nezuva pamasitepisi* aAhazi udzoke shure nemasitepisi gumi.”’”+ Saka zuva rakadzokera shure nemasitepisi gumi pamasitepisi arakanga ratodzika.
9 Izvi ndizvo zvakanyorwa naHezekiya mambo weJudha, paakarwara akapora paurwere hwake.
Ndichanyimwa makore angu asara.”
11 Ndakati: “Handichazooni Jah,* iye Jah, munyika yevapenyu.+
Handichazotarisizve vanhu
Pandinenge ndiine vagari vemunzvimbo inoguma zvinhu zvese.
Ndapeta upenyu hwangu semunhu anogadzira machira.
Anondigura seshinda dzejira.
Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+
13 Ndinodzikama kusvika mangwanani.
Anoramba achipwanya mapfupa angu ese sezvinoitwa neshumba;
Kubva masikati kusvika usiku munoramba muchindiisa kumugumo.+
14 Ndinoramba ndichirira senyenganyenga,* kana kuti sekadhimba;*+
Ndinoramba ndichigururudza senjiva.+
Maziso angu anotarisa kumusoro akaneta, ndichiti:+
15 Ndingataurei?
Ataura neni uye ane zvaaita.
Muchaita kuti ndivezve neutano mondichengetedza ndiri mupenyu.+
17 Onai! Ndakashungurudzika chaizvo panzvimbo pekuva nerugare;
Asi nekuti makandida,*
Makaita kuti ndisapinda mugomba rekuparadzwa.+
Makarasira zvivi zvangu zvese shure kwenyu.*+
Vaya vanopinda mugomba havagoni kutarisira kutendeka kwenyu.+
19 Vapenyu, ivo vapenyu vanogona kukurumbidzai,
Sezvandinogonawo kuita nhasi.
Baba vanogona kupa vanakomana vavo ruzivo pamusoro pekutendeka kwenyu.+
20 Haiwa Jehovha, ndiponesei,
Uye ticharidza nziyo dzangu pazviridzwa zvine tambo+
Mazuva ese eupenyu hwedu paimba yaJehovha.’”+
21 Isaya akabva ati: “Unzai keke remaonde akaomeswa, muriise pamota kuti apore.”+ 22 Hezekiya akanga abvunza kuti: “Ndechipi chiratidzo chekuti ndichaenda kuimba yaJehovha?”+