Isaya
38 Mumazuva iwayo Hezekiya akarwara zvokuda kufa.+ Naizvozvo muprofita Isaya+ mwanakomana waAmozi akapinda maaiva, akati kwaari: “Zvanzi naJehovha, ‘Rayira imba yako,+ nokuti iwe uchafa, hauzorarami.’”+ 2 Hezekiya akabva atendeudzira chiso chake kumadziro,+ akatanga kunyengetera kuna Jehovha+ 3 akati: “Ndinokukumbirai kwazvo, haiwa Jehovha, ndapota, yeukai+ kufamba+ kwandakaita pamberi penyu muchokwadi+ uye nomwoyo wakakwana,+ uye ndakaita zvakanaka pamberi penyu.” Hezekiya akatanga kusvimha misodzi kwazvo.+
4 Zvino shoko+ raJehovha rakauya kuna Isaya, richiti: 5 “Enda uti kuna Hezekiya, ‘Zvanzi naJehovha Mwari watateguru+ vako Dhavhidhi: “Ndanzwa munyengetero wako.+ Ndaona misodzi yako.+ Tarira ndichawedzera makore gumi nemashanu pamazuva ako;+ 6 ndichakununura iwe neguta rino muchanza chamambo weAsiriya, uye ndichadzivirira guta rino.+ 7 Ichi ndicho chiratidzo chako chinobva kuna Jehovha chokuti Jehovha achaita zvaataura:+ 8 Tarira ndichaita kuti mumvuri wematanho wanga wadzikiswa nezuva+ pamatanho echikwiriso chaAhazi udzokere shure nhanho gumi.”’”+ Zvino zuva rakadzokera shure zvishoma nezvishoma nhanho gumi pamatanho echikwiriso arakanga radzika.+
9 Izvi ndizvo zvakanyorwa naHezekiya mambo waJudha, paakarwara+ akapora paurwere hwake.+
10 Ini ndakati: “Ndichapinda mumagedhi+ eSheori pakati pemazuva angu.
Ndichanyimwa makore angu asara.”+
11 Ndakati: “Handichazooni Jah, iye Jah, munyika yevapenyu.+
Handichazotaririzve vanhu—pamwe chete nevagari venyika inoguma.
12 Nzvimbo yangu yokugara yadzurwa+ uye yabviswa kwandiri setende revafudzi.
Ndapeta upenyu hwangu somuruki;
Munhu anondigura+ pashinda dzinochinjika.
Munoramba muchindigamuchidza kubvira masikati kusvikira usiku.+
13 Ndazvinyaradza kusvikira mangwanani.+
Anoramba achityora mapfupa angu ose sezvinoitwa neshumba;+
Munoramba muchindigamuchidza kubvira masikati kusvikira usiku.+
14 Naizvozvo ndinoramba ndichirira semherepere, segwenhure;+
Ndinoramba ndichigururudza senjiva.+
Maziso angu aneta nokutarira kumusoro:+
‘Haiwa Jehovha, ndakadzvinyirirwa. Ndimiririrei zvakanaka.’+
15 Ndichataurei, uye iye achatii kwandiri?+
Iye ndiye akazviitawo.+
Ndinoramba ndichifamba makore angu ose mweya wangu uchirwadziwa.+
16 ‘Haiwa Jehovha, vanoramba vachirarama nokuda kwaizvozvo; uye sevanhu vose, ndizvo zvakaita simba roupenyu hwangu.+
Muchaita kuti ndivezve noutano mondichengetedza ndiri mupenyu.+
17 Tarirai! Ndakashungurudzika panzvimbo pokuva norugare, chokwadi ndakashungurudzika;+
Imi makada mweya wangu kwazvo mukaudzivirira pagomba rokuparadzwa.+
Nokuti makarasira zvivi zvangu zvose shure kwenyu.+
18 Nokuti Sheori haisiyo inogona kukurumbidzai;+ irwo rufu harugoni kukurumbidzai.+
Vaya vari kuburukira mugomba havagoni kutarira pakutendeka kwenyu netariro.+
19 Mupenyu, iye mupenyu, ndiye anogona kukurumbidzai,+
Sezvandinogona kuita nhasi.+
Baba vanogona kupa vanakomana vavo zivo+ pamusoro pokutendeka kwenyu.
20 Haiwa Jehovha, ndiponesei,+ uye ticharidza nziyo dzangu pazviridzwa zvine tambo+
Mazuva ose oupenyu hwedu paimba yaJehovha.’”+
21 Zvino Isaya akati: “Ngavatore keke remaonde akasvinwa akaomeswa, varikwizire pamota,+ kuti apore.”+ 22 Munguva iyi, Hezekiya akati: “Chiratidzo chokuti ndichaenda kuimba yaJehovha chii?”+