Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi rwekushungurudzika,* rwaakaimbira Jehovha nezvemashoko aKushi muBhenjamini.
7 Haiwa Jehovha Mwari wangu, ndakapotera kwamuri.+
Ndiponesei pane vese vanonditambudza, mundinunure.+
3 Haiwa Jehovha Mwari wangu, kana ndiri ini ndakatadza,
Kana ndakaita zvisina kururama,
4 Kana ndakatadzira munhu aindiitira zvakanaka,+
Kana kuti, kana ndakapamba zvinhu zvemuvengi wangu pasina chikonzero,*
5 Muvengi ngaandidzingirire andibate;*
Ngaatsike-tsike upenyu hwangu panyika,
Aite kuti kukudzwa kwangu kuparare muguruva. (Sera)
6 Haiwa Jehovha, simukai makatsamwa;
Simukai murwisane nevavengi vangu+ vakatsamwa;
Mukai muite kuti nditongwe zvakarurama.+
7 Marudzi ngaakukombei;
Uye muchaarwisa muri kumusoro.
8 Jehovha achapa mutongo pamarudzi.+
Nditongeiwo, Jehovha, zvinoenderana nekururama kwangu
Uye zvinoenderana nekuperera kwangu+ kwamuri.
9 Ndapota gumisai zvakaipa zvevakaipa.
10 Mwari inhoo yangu,+ Muponesi wevaya vane mwoyo wakarurama.+