Jobho
13 “Chokwadi, ziso rangu rakaona zvese izvi,
Nzeve yangu yakazvinzwa, ikazvinzwisisa.
2 Zvamunoziva imi, ini ndinozvizivawo;
Handina kuderera kukupfuurai.
6 Inzwaiwo zvandiri kutaura,
Uye teererai kuteterera kwandiri kuita nemuromo wangu.
7 Muchataura zvisina kururama muchimiririra Mwari here,
Uye muchataura zvekunyengera muchimumiririra here?
8 Muchava kurutivi rwake here,
Muchaedza kumiririra Mwari wechokwadi panyaya yake here?
9 Kana akakuongororai zvinozokufambirai zvakanaka here?+
Muchamubata kumeso sezvamunoita munhu here?
11 Kukudzwa kwake hakuzokutyisai here,
Mobatwa nekumutya?
12 Mashoko enyu eungwaru* akaita sezvirevo zvemadota;
Zvamunotaura muchiti hamuna mhosva zvakaita senhoo dzevhu.
13 Rambai makanyarara pamberi pangu, nditaure.
Chauya pandiri ngachiuye!
15 Kunyange dai aindiuraya, ndaingoramba ndakamirira;+
Ndaizotaura nyaya yangu pamberi pake ndichipindurana naye.
17 Nyatsoteererai shoko rangu;
Inzwai zvandiri kuzivisa.
18 Chionai zvino, ndagadzirira kuti nyaya yangu itongwe;
Ndinoziva kuti ndakarurama.
19 Ndiani achakakavadzana neni?
Kana ndikaramba ndakanyarara ndingafa!*
20 Ingondiitirai zvinhu zviviri chete, haiwa Mwari,*
Kuti ndirege kukuhwandai musandione pamberi penyu:
22 Shevedzai uye ini ndichapindura,
Kana kuti regai nditaure, imi mundipindure.
23 Ndakakanganisei uye ndakatadzei?
Ndibudisirei pachena chitadzo changu nechivi changu.
25 Muchaedza kutyisidzira shizha riri kupeperetswa nemhepo
Kana kudzingirira mashanga akaoma here?
26 Nekuti munoramba muchinyora pasi mashoko anorwadza ekundipomera,
Uye munoita kuti ndizvidavirire pazvivi zvandakaita ndichiri mudiki.