Zvirevo
5 Mwanakomana wangu, teerera uchenjeri hwangu.
Nyatsoteerera* unzwe ungwaru hwangu,+
2 Kuti uchengetedze mafungiro ako
Uye kuti muromo wako uchengetedze ruzivo.+
3 Nekuti muromo wemukadzi asingazvibati* unodonha uchi semazinga,+
Uye mukanwa make munotsvedzerera kupfuura mafuta.+
5 Tsoka dzake dzinodzika kurufu.
Nhanho dzake dzinotungamirira kuGuva* chaiko.
6 Haafungi nezvegwara reupenyu.
Nzira yake inongotenderera, asi haazivi kuti yakananga kupi.
7 Saka chinditeererai imi vanakomana vangu
Uye regai kutsauka pane zvandiri kutaura.
8 Tambira kure naye;
Usaswedera pedyo nemusuo wemba yake,+
9 Kuti urege kupa vamwe kukudzwa kwako+
Kana kukohwa makore ezvinhu zvinorwadza;+
10 Kuti vanhu vausingazivi varege kudya pfuma yako*+
Uye kuti zvinhu zvawakashandira zvirege kuenda kuimba yemutorwa.
Mwoyo wangu waizvidza kutsiurwa!
13 Handina kuteerera inzwi revarayiridzi vangu
Kana kunzwa zvaitaurwa nevadzidzisi vangu.
16 Ungadirei kuti zvitubu zvako zviparadzirwe kunze,
Uye kuti hova dzako dzemvura dziparadzirwe mumisika?+
18 Tsime rako pachako ngarikomborerwe,
Uye fara nemudzimai weudiki hwako,+
19 Sheshe yenondo ine rudo, mbudzi yemumakomo inofadza kwazvo.+
Mazamu ake ngaakugutse nguva dzese.
Gara uchitorwa mwoyo nerudo rwake nguva dzese.+