Kumutungamiriri. Rwiyo rwevanakomana vaKora.+
85 Haiwa Jehovha, makafarira nyika yenyu;+
Makadzosa vanhu vaJakobho vakanga vatapwa.+
2 Makaregerera kukanganisa kwevanhu venyu;
Makakanganwira zvivi zvavo zvese.+ (Sera)
3 Makadzora hasha dzenyu dzese;
Makazvidzora pakushatirwa kwenyu kukuru.+
4 Tidzorerei pataimbova, haiwa Mwari weruponeso rwedu,
Uye isai kure nemi kutitsamwira kwamakaita.+
5 Mucharamba makatitsamwira nekusingaperi here?+
Muchaita kuti hasha dzenyu dzisvike kuzvizvarwa nezvizvarwa here?
6 Hamusi kuzotimutsidzira zvakare here
Kuti vanhu venyu vakufarirei?+
7 Haiwa Jehovha, tiratidzei rudo rwenyu rusingachinji,+
Uye tipei ruponeso rwenyu.
8 Ndichateerera zvinotaurwa naMwari wechokwadi Jehovha,
Nekuti achataura nezverugare kuvanhu vake+ vakavimbika,
Asi ngavarege kudzokerazve pakuzvivimba.+
9 Chokwadi ruponeso rwake ruri pedyo nevaya vanomutya,+
Kuti kukudzwa kwake kugare munyika yedu.
10 Rudo rusingachinji nekutendeka zvichasangana;
Kururama nerugare zvichatsvodana.+
11 Kutendeka kuchamera panyika,
Uye kururama kuchatarisa pasi kuri kudenga.+
12 Jehovha achapa vanhu zvakanaka,+
Uye nyika yedu ichabudisa goho rayo.+
13 Kururama kuchafamba pamberi pake+
Uye kuchagadzirira tsoka dzake nzira.