Isaya
Gara pasi pasina chigaro cheumambo,+
Haiwa iwe mwanasikana wevaKadheya,
Nekuti vanhu havachazokutizve wakagarika uye wakatunhidzwa.
2 Tora guyo ukuye furawa.
Bvisa jira rawakafuka mumusoro.
Bvisa nguo yako, fukura makumbo ako.
Yambuka nzizi.
3 Kusapfeka kwako kuchabudiswa pachena.
Kunyadziswa kwako kuchaiswa pachena.
Ndichatsiva,+ uye hakuna munhu achanditadzisa kuzviita.*
Asi hauna kuvanzwira tsitsi.+
Kunyange pane vakwegura wakaisa joko rinorema.+
7 Wakati: “Ndicharamba ndiri Tenzikadzi* nekusingaperi.”+
Hauna kuisa zvinhu izvi mumwoyo;
Hauna kufunga kuti nyaya yacho yaizoguma sei.
“Ndini wacho, hakuna mumwe.+
Handizovi chirikadzi.
Handizombofi ndakaziva chinonzi kufirwa nevana.”+
9 Asi zvinhu zviviri izvi zvichangoerekana zvakuwira muzuva rimwe chete:+
Kufirwa nevana uye kuva chirikadzi.
Zvichakuwira pasina chakatapudzwa+
Nemhaka yeuroyi* hwako huzhinji uye zvitsinga zvako zvese zvine simba.+
10 Wakavimba nezvakaipa zvako.
Wakati: “Hakuna anondiona.”
Wakatsauswa neuchenjeri hwako neruzivo rwako,
Uye unoti nechemumwoyo: “Ndini wacho, hakuna mumwe.”
Uchawirwa nenhamo; hauzokwanisi kuidzivisa.
Uchangoerekana wawirwa nekuparadzwa kwausati wamboona.+
12 Saka enderera mberi nezvitsinga zvako neuroyi hwako huzhinji,+
Zvawakashandira zvakaoma kubvira uchiri mudiki.
Zvichida ungabatsirwa;
Zvichida ungashamisa vanhu.
13 Waneta navanachipangamazano vako vazhinji.
Ngavasimuke iye zvino, vakuponese,
Vaya vanonamata denga,* vanoramba vakatarisa nyeredzi,+
Vaya vari kupa ruzivo pakugara kwemwedzi
Pamusoro pezvinhu zvichakuwira.
14 Onai! Vakaita semashanga.
Moto uchavapisa.
Havagoni kuzviponesa* pasimba rerimi racho.
Aya haasi mazimbe emoto ekudziya,
Uye uyu hausi moto wekugara pamberi pawo.
15 Saka vaya vanokuitira zvemashiripiti vachava saizvozvo kwauri,
Vaya vawakashanda navo nesimba kubvira uchiri mudiki.
Vachadzungaira, mumwe nemumwe achienda nekwake.*
Hapazovi neanokuponesa.+