43 Nditongei, haiwa Mwari,+
Ndimiririrei panyaya+ iri pakati pangu nerudzi rusina kuvimbika.
Ndinunurei pamunhu anonyengera uye asina kururama.
2 Nekuti muri Mwari wangu, nhare yangu.+
Mandirasireiko?
Nei ndichifanira kufamba ndakasuruvara nemhaka yekudzvinyirirwa nemuvengi wangu?+
3 Tumai chiedza chenyu nechokwadi chenyu.+
Izvi ngazvinditungamirire;+
Ngazvinditungamirire kugomo renyu dzvene nekutebhenekeri yenyu huru.+
4 Ndichabva ndauya kuatari yaMwari,+
Kuna Mwari, iye mufaro wangu mukuru.
Uye ndichakurumbidzai nerudimbwa,+ haiwa Mwari, imi Mwari wangu.
5 Nei ndapererwa netariro?
Nei ndisina kugadzikana mukati mangu?
Mirira Mwari,+
Nekuti ndichamurumbidzazve seMuponesi wangu mukuru uye Mwari wangu.+