Zekariya
7 Mugore rechina raMambo Dhariyasi, shoko raJehovha rakauya kuna Zekariya+ pazuva rechina remwedzi wechi9, kureva mwedzi waKisrevhi.* 2 Vanhu vekuBheteri vakatuma Sharezeri naRegemu-mereki nevarume vake kuti vanoteterera kunzwirwa nyasha naJehovha, 3 vachiti kuvapristi veimba* yaJehovha wemauto, nekuvaprofita: “Ndicheme here mumwedzi wechishanu,+ ndisingadyi, sezvandakaita kwemakore aya akawanda?”
4 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 5 “Iti kuvanhu vese vemunyika yacho uye kuvapristi, ‘Pamaitsanya uye pamaichema mumwedzi wechishanu uye mumwedzi wechi7+ kwemakore 70,+ maitsanyira ini here? 6 Pamaidya nepamainwa, maisangoitira kuti mungozvigutsa here? 7 Hamufaniri here kuteerera mashoko akaziviswa naJehovha achishandisa vaprofita vekare,+ muJerusarema nemumaguta akaripoteredza pamakanga muchiine vanhu uye muine runyararo, uye muNegebhu nemuShefera pamakanga muchiine vanhu?’”
8 Shoko raJehovha rakauyazve kuna Zekariya, richiti: 9 “Zvanzi naJehovha wemauto, ‘Tongai zvakarurama,+ uye ratidzanai rudo rusingachinji,+ muchinzwirana tsitsi. 10 Musabiridzira chirikadzi kana nherera,+ kana mutorwa+ kana murombo;+ uye musarongerana zvakaipa mumwoyo menyu.’+ 11 Asi ivo vaingoramba kuteerera,+ uye vaizvikudza vachiramba kundinzwa,+ vachiisa zvimiti munzeve kuti varege kunzwa.+ 12 Vakaita kuti mwoyo yavo iite sedhaimondi*+ uye vaisateerera mutemo* nemashoko akapiwa vaprofita vekare naJehovha wemauto achishandisa mweya wake.+ Saka Jehovha wemauto akatsamwa kwazvo.”+
13 “‘Havana kuteerera pandaishevedzera,*+ saka neniwo handina kuvateerera pavaishevedzera,’+ anodaro Jehovha wemauto. 14 ‘Ndakavaparadzira vachienda kumarudzi ese avakanga vasingazivi ndichishandisa dutu,+ uye nyika yacho yakasara iri dongo, pasina aipfuura nemairi kana kudzoka mairi;+ nekuti vakaita kuti nyika yakanaka ive chinhu chinotyisa kutarisa.’”