Mika
2 “Vane nhamo vaya vanoruka mazano akaipa,
Vanoronga zvakaipa vari pamibhedha yavo!
Pakunoyedza vanobva vaita zvinhu zvacho,
Nekuti vane simba rekuzviita.+
2 Vanochiva minda, voitora nechisimba;+
Vanochivawo dzimba, vachidzitora;
Vonobiridzira vanhu vachivatorera dzimba dzavo+
Nenhaka yavo.
3 Saka zvanzi naJehovha:
‘Ndiri kuronga kukuunzirai dambudziko+ ramusingagoni kutiza.+
Hamuzofambi muchizvikudza,+ nekuti ichava nguva yekutambudzika.+
Vachati: “Tatorerwa zvinhu zvedu zvese!+
Aita kuti mugove wevanhu vangu upiwe vamwe; inga mugove wangu watotorwa!+
Anopa munhu asina kutendeka minda yedu.”
5 Saka hauzovi nemunhu anotambanudza tambo yekuyeresa,
Kuti agove nyika muungano yaJehovha.
7 Imi imba yaJakobho, ndizvo here kuti muri kubvunza kuti:
“Mweya waJehovha waneta here?
Ndiye aita izvi here?”
Ko mashoko angu haaiti kuti zvinhu zvinake kune vanoita zvakarurama here?
8 Asi nguva ichangopfuura, vanhu vangu vakandipandukira semuvengi.
Munobvisa chishongo chakanaka chiri* panguo, muchizviita pachena.
Munochibvisa pavanhu vanopfuura vasina chekutya, vachiita sevaya vanenge vachibva kuhondo.
9 Munodzinga vakadzi vari pavanhu vangu mudzimba dzavo dzakanaka;
Munobvisa kubwinya kwangu pavana vavo zvachose.
10 Simukai muende, nekuti ino haisi nzvimbo yekuzororera.
Kusachena ndiko kwaita kuti pave nekuparadzwa,+ iko kuparadzwa kunorwadza.+
11 Kana munhu akatevera mhepo uye nhema, onyepa achiti:
“Ndichakuudzai nezvewaini nedoro,”
Vanhu ava vanobva vafarira zvaanoparidza!+
Ndichaita kuti vabatane, semakwai ari mudanga,
Semakwai ari kufura pamwe chete;+
Uye imomo muchanzwika ruzha rwevanhu.’+
13 Munhu anopaza pekubuda napo ndiye achange ari pamberi pavo;
Vachapaza vopfuura vachibuda nepagedhi racho.+
Mambo wavo achabuda ari pamberi pavo,
Jehovha achivatungamirira.”+