Zekariya
13 “Zuva iroro vanhu veimba yaDhavhidhi nevagari vemuJerusarema vachachererwa tsime rekuvachenesa pachivi uye pazvinhu zvisina kuchena.+
2 “Zuva iroro,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto, “ndichadzima mazita ezvidhori munyika yacho+ uye hapana anozozvirangarira; ndichabvisawo vaprofita+ pamwe chete nemweya wetsvina munyika yacho. 3 Uye kana munhu akaprofitazve, baba vake naamai vake vakamubereka vachati kwaari, ‘Hausi kuzorarama, nekuti wataura nhema muzita raJehovha.’ Baba vake naamai vake vachamubayira kuprofita kwake.+
4 “Zuva iroro muprofita wese achanyara nezvaanooneswa paanoprofita; uye haazopfeki nguo yebasa yakagadzirwa nemvere+ kuti anyengere vanhu. 5 Achati, ‘Handisi muprofita. Ndiri murimi, nekuti pane akanditenga ndichiri mudiki.’ 6 Uye kana mumwe munhu akamubvunza kuti, ‘Ko maronda aya ari pakati pemapfudzi ako* akakonzerwa nei?’ Iye achati, ‘Ndakakuvara ndiri mumba meshamwari dzangu.’”*
7 “Iwe bakatwa, muka urwise mufudzi wangu,+
Urwise murume wandinoshamwaridzana naye,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha wemauto.
8 “Munyika yacho yese,” ndizvo zvinotaurwa naJehovha,
“Muchaurayiwa zvikamu zviviri zvevanhu, zvobva zvaparara;
Uye muchasara muine chikamu chechitatu.
9 Ndichaita kuti chikamu chechitatu chipfuure nemumoto;
Ndichavanatsa sekunatswa kunoitwa sirivha,
Uye ndichavaedza sekuedzwa kunoitwa goridhe.+
Vachadana zita rangu
Uye ndichavapindura.
Ndichati, ‘Ivo vanhu vangu,’+
Uye ivo vachati, ‘Jehovha ndiye Mwari wedu.’”