Rwiyo rwaSoromoni
Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.+
Ndakamutsvaga, asi handina kumuwana.
3 Varindi vaitenderera muguta vakandiwana.+
‘Mamboonawo mudiwa wangu* here?’
Ndakamubata, ndikasamuregedza
Kusvikira ndapinda naye mumba maamai vangu,+
Muimba yemukati yaivo vakandibereka.
5 Ndinoita kuti mupike, imi vanasikana veJerusarema,
Nemhara uye nenondo dzemusango:
Musaedza kumutsa rudo mukati mangu kusvikira rwava kuda.”+
6 “Chii icho chakaita seutsi huri kukwira mudenga chiri kubva kurenje,
Chiri kunhuhwirira mura nezvinonhuhwirira zvichena,
Nezvinonhuhwirira zvese zvemutengesi zvakakuyiwa?”+
7 “Onai! Chigaro chaSoromoni.
Chakakomberedzwa nevarume 60 vane simba,
Vanobva pavarume vaIsraeri vane simba,+
8 Vese vaine mapakatwa,
Vese vakadzidziswa hondo,
Mumwe nemumwe akapakatira bakatwa
Kuti vagarire kana paine zvinotyisa zvingauya usiku.”
10 Mbiru dzacho akadzigadzira nesirivha,
Uye zvinochitsigira ndezvegoridhe.
Pekugara pacho pakagadzirwa neshinda yepepuru;
Mukati macho makashongedzwa zvakanaka
Nevanasikana veJerusarema.”