116 Ndinoda Jehovha
Nekuti anonzwa inzwi rangu, pandinochemera kubatsirwa.+
2 Nekuti anorerekera nzeve yake kwandiri,+
Uye ndichadana kwaari chero bedzi ndiri mupenyu.
3 Tambo dzerufu dzakandikomba;
Guva rakandibata.+
Ndakakurirwa nematambudziko nekusuruvara.+
4 Asi ndakadana zita raJehovha ndichiti:+
“Haiwa Jehovha, ndinunureiwo!”
5 Jehovha ane tsitsi uye akarurama;+
Mwari wedu ane ngoni.+
6 Jehovha anochengetedza munhu asina ruzivo.+
Ndakanga ndaderedzwa uye akandiponesa.
7 Mweya wangu ngauzorore zvakare,
Nekuti Jehovha akandibata zvakanaka.
8 Makandinunura parufu,
Makanunura ziso rangu pamisodzi, tsoka yangu pakugumburwa.+
9 Ndichafamba pamberi paJehovha munyika yevapenyu.
10 Ndakanga ndiine kutenda, saka ndakataura;+
Ndaitambudzika kwazvo.
11 Kana ndiri ini, ndakarohwa nehana ndikati:
“Munhu wese murevi wenhema.”+
12 Ndicharipa Jehovha nechii
Nekuda kwezvinhu zvese zvakanaka zvaakandiitira?
13 Ndichatora kapu yeruponeso,
Uye ndichadana zita raJehovha.
14 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha
Pamberi pevanhu vake vese.+
15 Nyaya inokosha kuna Jehovha
Rufu rwevanhu vake vakavimbika.+
16 Ndinokukumbiraiwo Jehovha,
Nekuti ndiri mushumiri wenyu.
Ndiri mushumiri wenyu, mwanakomana wemurandasikana wenyu.
Makandisunungura pazvisungo zvangu.+
17 Ndichakupai chibayiro chekuonga;+
Ndichadana zita raJehovha.
18 Ndicharipa mhiko dzangu kuna Jehovha+
Pamberi pevanhu vake vese,+
19 Muzvivanze zveimba yaJehovha,+
Pakati pako, haiwa Jerusarema.
Rumbidzai Jah!+