Mapisarema
Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
14 Benzi rinoti mumwoyo maro:*
“Jehovha haako.”+
Zviito zvavo zvakaipa, uye mabasa avo anosemesa;
Hapana ari kuita zvakanaka.+
2 Asi Jehovha anotarisa vanakomana vevanhu ari kudenga
Kuti aone kana paine munhu ane njere, kana paine munhu ari kutsvaga Jehovha.+
Hapana ari kuita zvakanaka,
Kana mumwe chete zvake.
4 Hapana kana anonzwisisa here pavanhu vanoita zvakaipa?
Vanodya vanhu vangu sekunge vari kudya chingwa.
Havadani kuna Jehovha.
6 Imi vakaipa munoedza kuvhiringidza zvirongwa zvemunhu akaderera,
Asi Jehovha ndiye nzvimbo yake yekupotera.+
7 Dai ruponeso rwaIsraeri rwabva muZiyoni!+
Jehovha paanodzosa vanhu vake vakatapwa,
Jakobho ngaafare, Israeri ngaapemberere.