Kumutungamiriri. Rwiyo rwaDhavhidhi.
14 Benzi rakati mumwoyo maro:
“Jehovha haako.”+
Vakaita zvakashata,+ vakaita zvinosemesa pane zvavakaita.
Hapana anoita zvakanaka.+
2 Asi Jehovha akatarira pasi pavanakomana vevanhu ari kudenga,+
Kuti aone kana paine munhu ane njere, munhu anotsvaka Jehovha.+
3 Vose vakatsauka,+ vose vane uori zvakafanana;+
Hapana anoita zvakanaka,+
Kana mumwe chete zvake.+
4 Pavanhu vanoita zvinhu zvinokuvadza hapana vane zivo here,+
Zvavanodya vanhu vangu sokudya kwavanoita chingwa?+
Havana kana kumbodana Jehovha.+
5 Vakatya kwazvo vari ikoko,+
Nokuti Jehovha ari pakati pechizvarwa chomunhu akarurama.+
6 Imi mainyadzisa zvirongwa zvomunhu anotambudzika,
Nokuti Jehovha ndiye nzvimbo yaanopotera.+
7 Haiwa, kudai muZiyoni maiva noruponeso rwaIsraeri!+
Jehovha paanodzosa vaya vakatapwa pavanhu vake,+
Jakobho ngaafare, Israeri ngaafare.+