Jobho
3 Pashure peizvi, Jobho akatanga kutaura uye kutuka zuva raakaberekwa.*+ 2 Jobho akati:
3 “Zuva randakaberekwa ngariparare,+
Neusiku hwakataurwa nemumwe munhu kuti: ‘Pamuviri pemwana mukomana pabata!’
4 Zuva iroro ngarive rima.
Mwari ari kumusoro ngaarege kufunga nezvaro;
Chiedza ngachirege kurivhenekera.
Gore remvura ngarigare pamusoro paro.
Chese chinosvibisa zuva ngachirivhundutse.
6 Usiku ihwohwo ngahuve rima gobvu;+
Ngahurege kufara pamazuva egore,
Uye ngahurege kuverengwa pamazuva emwedzi.
7 Chokwadi! Usiku ihwohwo ngahurege kubereka;
Ngakurege kunzwika kushevedzera kwekufara mahuri.
9 Nyeredzi dzemambakwedza ahwo ngadzisvibe;
Ngahumirire chiedza chezuva chisingauye,
Uye ngahurege kuona mwaranzi yemambakwedza.
10 Nekuti hahuna kuvhara masuo echibereko chaamai vangu;+
Uye hahuna kuita kuti maziso angu asaona kutambudzika.
11 Nei ndisina kufa pandakazvarwa?
Nei ndisina kufa pandakabuda muchibereko?+
12 Nei paiva nemabvi ekundigamuchira
Uye mazamu ekuti ndiyamwe?
13 Nekuti iye zvino ndingadai ndakarara pasina chinondivhiringa;+
Ndingadai ndakarara, ndakazorora+
14 Nemadzimambo enyika nemakurukota awo,
Akazvivakira nzvimbo dzava matongo,*
15 Kana nemachinda aiva negoridhe,
Aiva nedzimba dzakazara nesirivha.
16 Kana kuti nei ndisina kuita sepamuviri panobva pasingazivikanwi,
Sevana vasina kumboona chiedza?
18 Ikoko vasungwa vagere zvakanaka pamwe chete;
Havanzwi inzwi reanovamanikidza kushanda.
21 Nei vachishuva rufu asi rusingauyi?+
Vanoruchera kupfuura zvinoitwa pfuma yakavanzwa,
22 Vaya vari kufara chaizvo,
Vanofara pavanowana guva.
25 Nekuti zvandaizeza zvauya pandiri,
Uye zvandaitya zvandiwira.
26 Handina rugare, runyararo, uye zororo,
Asi kutambudzika kuri kuramba kuchingouya.”