Jobho
11 Zofari+ muNaama akapindura achiti:
2 “Mashoko ese aya angarega kupindurwa here,
Kana kuti kutaura zvakawanda kuchaita kuti munhu anzi akarurama here?*
3 Kutaura zvisina musoro kwauri kuita kunganyararidza vanhu here?
Pangashayikwa munhu anokutsiura pamashoko ako ekunyomba here?+
6 Aizokuudza zvinoita kuti uve munhu akachenjera,
Nekuti pane zvakawanda zvinofanira kuzivikanwa nezveuchenjeri hwechokwadi.
Waibva waziva kuti Mwari anobvumira kuti zvimwe zvikanganiso zvako zvirege kuyeukwa.
8 Uchenjeri hwakakwirira kupfuura denga. Iwe ungaitei?
Hwakadzika kupfuura Guva.* Chii chaunoziva?
9 Hwakareba kupfuura nyika,
Uye hwakafara kupfuura gungwa.
10 Kana iye akapfuura, obata munhu ounganidza dare,
Ndiani angamurambidza?
11 Nekuti anonyatsoziva kana vanhu vachinyengera.
Paanoona zvakaipa, angazvisiya zvakadaro here?
13 Dai waingogadzirira mwoyo wako
Uye waitambanudzira maoko ako kwaari.
14 Kana ruoko rwako ruchiita zvakaipa, ruise kure,
Uye kusarurama ngakurege kugara mumatende ako.
15 Nekuti uchabva wasimudza chiso chako usina chinoshoreka pauri;
Uchamira wakasimba, usina chaunotya.
16 Nekuti uchabva wakanganwa kutambura kwako;
Uchakuyeuka semvura yakayerera ichipfuura nepauri.
17 Upenyu hwako huchajeka kupfuura masikati makuru;
Kunyange rima rahwo richaita semangwanani.
18 Uchava nechivimbo nekuti panenge paine tariro,
Uye uchatarisa kwese kwese, worara wakachengeteka.
19 Ucharara pasi, pasina anokutyisa,
Uye vanhu vakawanda vachada kufarirwa newe.