Mapisarema
Rwiyo. Pisarema revanakomana vaKora.+
48 Jehovha mukuru uye akanyatsokodzera kurumbidzwa,
Kurumbidzwa muguta raMwari wedu, mugomo rake dzvene.
2 Guta rinoyevedza riri pakakwirira uye rinofadza nyika yese,+
Igomo reZiyoni riri kuchamhembe,
Guta raMambo Mukuru.+
5 Pavakazviona, vakashamiswa.
Vakavhunduka, vakatiza nekutya.
6 Vakatanga kudedera vari ikoko,
Vakarwadziwa sezvinoita mukadzi ari kusununguka.
7 Munoparadza ngarava dzekuTashishi nemhepo yekumabvazuva.
8 Zvatakanga taita zvekunzwa, iye zvino tava kuzvionera
Muguta raJehovha wemauto, muguta raMwari wedu.
Mwari acharisimbisa kwazvo nekusingaperi.+ (Sera)
Ruoko rwenyu rwerudyi rwakazara nekururama.+
13 Isai mwoyo yenyu pamasvingo aro anodzivirira.+
Ongororai shongwe dzaro dzakavakwa zvakasimba,
Kuti muzokwanisa kuzvirondedzera kuzvizvarwa zvichatevera.