Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi.
29 Ipai Jehovha zvakamukodzera, imi vanakomana vevane simba,
Ipai Jehovha zvakakodzera kukudzwa kwake nesimba rake.+
2 Ipai Jehovha kukudzwa kwakakodzera zita rake.
Kotamirai* Jehovha makapfeka zvishongo zvitsvene.*
Jehovha ari pamusoro pemvura zhinji.+
7 Inzwi raJehovha rinoita kuti pabude marimi emoto;+
8 Inzwi raJehovha rinoita kuti renje ridedere;+
Jehovha anoita kuti renje reKadheshi+ ridedere.
Uye vese vari mutemberi yake vanoti: “Kubwinya!”
10 Jehovha anogara pachigaro chake cheumambo pamusoro pemvura yemafashamo;*+
Jehovha anogara pachigaro chake saMambo nekusingagumi.+
11 Jehovha achapa vanhu vake simba.+
Jehovha achakomborera vanhu vake nerugare.+