Rwiyo Rwekukwidza.
121 Ndinosimudza maziso angu ndichitarisa kumakomo.+
Rubatsiro rwangu ruchabva kupi?
2 Rubatsiro rwangu runobva kuna Jehovha,+
Muiti wedenga nenyika.
3 Haazombobvumiri tsoka yako kuti itsvedze.+
Iye ari kukuchengetedza haazombotsimwairi.
4 Ona! Haazombotsimwairi kana kurara,
Iye ari kuchengetedza Israeri.+
5 Jehovha ari kukuchengetedza.
Jehovha ndiye mumvuri+ kuruoko rwako rwerudyi.+
6 Zuva harizokukuvadzi masikati,+
Kunyange mwedzi usiku.+
7 Jehovha achakuchengetedza pamatambudziko ese.+
Achachengetedza upenyu hwako.+
8 Jehovha achakuchengetedza pane zvese zvaunoita
Kubva zvino zvichienda mberi uye nekusingaperi.