Zekariya
6 Ndakasimudzazve musoro ndikaona ngoro ina dzaibva pakati pemakomo maviri, uye makomo acho aiva emhangura. 2 Ngoro yekutanga yaiva nemabhiza matsvuku, uye ngoro yechipiri yaiva nemabhiza matema.+ 3 Ngoro yechitatu yaiva nemabhiza machena, uye ngoro yechina yaiva nemabhiza ane tumavara tudiki nemakamba-makamba.+
4 Ndakabvunza ngirozi yaitaura neni kuti: “Ishe wangu, izvi zvinorevei?”
5 Ngirozi yacho yakandipindura kuti: “Iyi ndiyo mweya mina+ yekudenga iri kubuda pashure pekunge yamira pamberi paIshe wenyika yese.+ 6 Iya* ine mabhiza matema iri kuenda kunyika yekuchamhembe;+ mabhiza machena ari kuenda mhiri kwegungwa; uye ane tumavara tudiki ari kuenda kunyika yekumaodzanyemba. 7 Mabhiza ane makamba-makamba aida chaizvo kuenda kunotenderera pasi rese.” Yakabva yati: “Endai munotenderera pasi rese.” Iwo akatanga kufamba panyika yese.
8 Yakabva yashevedzera kwandiri, ikati: “Tarisa uone, mabhiza ari kuenda kunyika yekuchamhembe aita kuti mweya waJehovha uve munyika yekuchamhembe.”
9 Shoko raJehovha rakauyazve kwandiri, richiti: 10 “Tora zvinhu zvinaHeridhai, naTobhija, naJedhaya zvavakabva nazvo kuvanhu vakatapwa; uye zuva iroro unofanira kuenda kumba kwaJosiya mwanakomana waZefaniya pamwe chete neava vakabva kuBhabhironi. 11 Unofanira kutora sirivha negoridhe wogadzira korona,* woipfekedza mupristi mukuru Joshua+ mwanakomana waJehozadhaki. 12 Uti kwaari,
“‘Zvanzi naJehovha wemauto: “Heuno murume anonzi Nhungirwa.+ Achatungira panzvimbo yake, uye achavaka temberi yaJehovha.+ 13 Ndiye achavaka temberi yaJehovha, uye ndiye achakudzwa. Achagara pachigaro chake cheumambo otonga, uye achavawo mupristi pachigaro chake cheumambo,+ uye zviviri zvacho* zvichashanda pamwe chete.* 14 Korona yacho ichava mucherechedzo wekuyeuka Heremu, naTobhija, naJedhaya,+ naHeni mwanakomana waZefaniya mutemberi yaJehovha. 15 Vaya vari kure vachauya, vovakawo temberi yaJehovha.” Muchaziva kuti Jehovha wemauto akandituma kwamuri. Izvi zvichaitika kana mukaramba muchiteerera inzwi raJehovha Mwari wenyu.’”