Mapisarema
Rwiyo rwaDhavhidhi. Maskiri.*
32 Anofara munhu anoregererwa kudarika kwake, ane chivi chinofukidzwa.*+
3 Pandakaramba ndakanyarara, mapfupa angu akadyika nemhaka yekugomera kwandaiita zuva rese.+
4 Nekuti ruoko rwenyu rwaindiremera masikati neusiku.+
Simba rangu rakanyangarika semvura mumwaka wekupisa. (Sera)
Ndakati: “Ndichareurura kudarika kwangu kuna Jehovha.”+
Uye makaregerera kukanganisa kwangu uye zvivi zvangu.+ (Sera)
Kunyange mafashamo emvura haazomubati.
Muchandipoteredza nekushevedzera kwemufaro wekununurwa.+ (Sera)
8 “Ndichakupa njere uye ndichakurayiridza nzira yaunofanira kufamba nayo.+
Ndichakupa zano ziso rangu riri pauri.+
9 Usaita sebhiza kana kuti senyurusi, risinganzwisisi,+
Rinodzorwa nematomu kana kuti netambo kuti rirege kupengereka,
Riuye pedyo newe.”
10 Marwadzo emunhu akaipa mazhinji;
Asi uya anovimba naJehovha akapoteredzwa nerudo rwake rusingachinji.+
11 Farai muna Jehovha mufarisise, imi makarurama;
Pemberai nemufaro, imi mese mune mwoyo yakarurama.