Rwiyo Rwekukwidza.
126 Jehovha paakadzosa nhapwa dzeZiyoni,+
Takafunga kuti tiri kurota.
2 Panguva iyoyo miromo yedu yakazadzwa nekuseka
Uye rurimi rwedu nekushevedzera nemufaro.+
Panguva iyoyo vemamwe marudzi vakati:
“Jehovha avaitira zvinhu zvikuru.”+
3 Jehovha akatiitira zvinhu zvikuru,+
Uye tiri kufara.
4 Dzosai vanhu vedu vakatapwa, haiwa Jehovha
Sehova dzemvura dziri muNegebhu.
5 Vaya vanodyara mbeu nemisodzi
Vachakohwa vachishevedzera nemufaro.
6 Uya anoenda
Akatakura saga rake rembeu, kunyange achichema,
Achatodzoka achishevedzera nemufaro,+
Akatakura zvisote zvake.+