Vechiduku Vanobvunza Kuti . . .
Nei Mubereki Wangu Asingandidi?
“Baba vangu pavainge vasati varambana naamai vangu, taisienda kumahombekombe, taidyira mumaresitorendi, taienda kunzvimbo dzakasiyana-siyana nemotokari yavo. Asi zvakabva zvapera zvachose. Baba vangu vakachinja. Ndinofunga kuti vakabva vandirambawo.”—Karen.a
VECHIDUKU vazhinji vane manzwiro akadaro. SaKaren, vanoona kuti mubereki wavo haachavadi—kana kuti haana kumbobvira avada. Pano hatisi kutaura kusafarira kwenguva pfupi kunogona kuitika kana paine kusanzwisisana pakati pevechiduku nevabereki vavo; uye hatisi kutaura kuzvonda kunombomuka kana achinge arangwa nomubereki. Dzimwe nguva, vabereki vane mhosva yokurega kuriritira vana vavo zvachose, vachitadza kuranga vana vavo uye kuvada. Mune zvimwe zvinoitika, mubereki anenge achibata vana vake zvakaipa zvikuru, zvichida achivatuka kana kuvarova.
Hapana chinhu chinorwadza kukunda kurambwa nomubereki. “Zvakaita kuti ndione kuti ndakanga ndisingabatsiri,” anodaro Karen. Kana wakambova mumamiriro ezvinhu akaoma zvakadaro, ona mamwe mazano okuti chii chaungaita. Iva nechokwadi chokuti kunyange kana mubereki wako asiri kukuchengeta, unokwanisa kubudirira muupenyu!
Kunzwisisa Mubereki Wako
Chokutanga, zvakakodzera kutarisira kuti mubereki wako akude. Rudo rwomubereki kumwana runofanira kungouya rwoga uye runofanira kuvapo nguva dzose, sokubuda kunoita zuva. Mwari anotarisira vabereki kuti varatidze rudo rwakadaro. (VaKorose 3:21; Tito 2:4) Saka nei dzimwe nguva vabereki vachisiya, kuramba kana kubata vana vavo zvisina kunaka?
Chimwe chinhu chinogona kuva zvakaitika kwavari muupenyu hwavo. Zvibvunze kuti, ‘Vabereki vangu vakadzidza kupi marererwo evana?’ Kazhinji kacho vabereki vanongoita zvavakaona kubva kuvabereki vavo pavaikura. Uye nokuoma kwaita nyika yedu mazuva ano, kuine vanhu vakawanda zvikuru “vasina rudo kwazvo rwokuzvarwa narwo,” kurera kwakadaro kunenge kuine zvikanganiso zvakawanda. (2 Timoti 3:1-5) Dzimwe nguva, zvinogona kuguma nenhamo chaiyo, vabereki vachibata vana vavo zvisina kunaka kufanana nezvavakaitwa ivo pachavo.
Uyezve, vabereki vanogona kunge vasiri kufara nokuda kwezvikonzero zvinoverengeka. Vamwe vanoedza kutiza nhamo dzavo nokushanda zvakaoma, kunwa doro kana kushandisa zvinodhaka. Somuenzaniso, William naJoan vakarerwa nababa vakanga vari chidhakwa. “Baba vangu vakanga vasingakwanisi kutirumbidza,” anodaro Joan. “Asi vaiti kana vamboti dzvutu, hasha dzavo dzaisataurika. Vaipedza usiku hwose vachingopopotera amai vangu. Nguva dzose ndaingotya.” Kunyange kana vabereki vasingabati vana vavo zvakanyanya kushata, maitiro avo anokwanisa kuvasiya vasisina simba rokuda vana vavo sezvavanofanira kuita.
William anoti anonzwisisa zvakaita kuti baba vake vave nounhu hwaingochinja-chinja. “Baba vangu vakakurira muBerlin, Germany, panguva yeHondo Yenyika II,” anotsanangura kudaro. “Vachiri mukomana, vakaona nhamo tsvuku uye vakaona vanhu vakawanda vachifa. Vaitofanira kutamburira kuti vararame zuva nezuva uye kuti vawane chokudya. Ndinofunga kuti baba vangu vakakanganiswa zvikuru nezvakaitika kwavari.” Chokwadi, Bhaibheri rinotaura kuti kana munhu akanyanya kutambura, anoita zvimwe zvinhu zvisina kunaka.—Muparidzi 7:7.
William naJoan vanofunga kuti zvakaitika kuna baba vavo ndizvo zvinoita kuti vavabate zvisina kunaka here? “Aiwa,” anodaro William. “Makuriro avakaita haanei nokunyanya kunwa uye kusazvibata. Zvisinei, kuziva izvi kwakandibatsira kuwedzera kunzwisisa unhu hwababa vangu.”
Kana ukabvuma kuti vabereki vako vanokanganisa uye ukadzidza chimwe chinhu chakaitika vachiri kukura zvinokwanisa kukubatsira zvikuru kuti uvanzwisise. Zvirevo 19:11 inoti: “Kungwara kwomunhu kunodzora kutsamwa kwake.”
Kurarama Nemanzwiro Ako
Pane dzimwe pfungwa dzisina kunaka dzinokutambudza nemhaka yemamiriro ezvinhu epamba. Somuenzaniso, kusadiwa nevabereki vake vose kwakaita kuti Patricia anzwe “asingabatsiri uye asingadiwi.” LaNeisha akaona zvakamuomera kuvimba nevanhurume vose zvavo pashure pokunge baba vake vaenda aine makore masere chete. Uye Shayla akanga achida kudiwa nomunhu wose waaisangana naye, kuti azadzise pakanga pasiyiwa naamai vake “vaiva noupenyu hwaidzorwa nezvinodhaka.”
Hasha uye shanje zvinogona kuvawo zvinetso. Apo Karen akaona baba vake vakanga varoora mumwe mudzimai vachiratidza mhuri yavo itsva rudo rwaakanga achida zvikuru, zvakaita kuti anzwe “shanje chaizvo pane imwe nguva.” Dzimwe nguva, Leilani ainzwa kuvenga vabereki vake. “Ndaigara ndichikakavadzana navo,” anodaro.
Zvose izvi zvinonzwisisika, tichifunga zvakanga zvaitika. Asi, ungakwanisa sei kurarama nemanzwiro akadaro? Ona mamwe mazano anotevera.
• Swedera pedyo naJehovha Mwari. (Jakobho 4:8) Unogona kuita izvi kuburikidza nokudzidza Bhaibheri uri woga uye kugara uchiungana nevanhu vake. Paunoona nzira iyo Jehovha anobata nayo nevamwe, uchaona kuti iye akavimbika. Unogona kuvimba naye. “Ko mukadzi ungakanganwa mwana wake waanomwisa, akasava netsitsi nomwanakomana wechizvaro chake here?” Jehovha akabvunza vaIsraeri kudaro. “Zvirokwazvo ava vangakanganwa, asi ini handingakukanganwi,” akapikira kudaro. (Isaya 49:15) Naizvozvo nyengetera nguva dzose kuna Mwari. Usanetseka nezvemashoko chaiwo akarurama okushandisa. Anokunzwisisa. (VaRoma 8:26) Ziva kuti Jehovha anokuda kunyange kana pachiita sokuti hapana mumwe anokuda.—Pisarema 27:10.
• Udza mumwe munhu akura waunovimba naye. Iva neshamwari dzakakura mumudzimu. Vaudze zviri kutsi kwomwoyo wako pasina kunyara. Muungano yechiKristu yeZvapupu zvaJehovha, unogona kuwana vanababa navanaamai pavanhu vaunenge uchinamata navo. (Mako 10:29, 30) Asi, dzimwe nguva ndiwe ungatofanira kutanga kutaura navo. Vamwe havangazivi manzwiro auri kuita kunze kwokunge wavaudza. Kurerukirwa kwaunonzwa kana ukataura kunokwanisa kukunyaradza zvechokwadi.—1 Samueri 1:12-18.
• Ramba wakabatikana kuitira vamwe zvinhu. Kuti ubvise mukana wokuzvinzwira tsitsi, edza kusaramba uchifunga zvinhu zvisina kunaka zviri kuitika kwauri. Pane kudaro, dzidza kukoshesa zvaunazvo. Tsvaka mikana yakasiyana-siyana ‘yokusaramba uchiva nehanya nezvinhu zvako zvomunhu oga, asi uchiva nehanya nezvinhu zvevamwe somunhu oga.’ (VaFiripi 2:4) Iva nevavariro panyaya yokunamata, uye shanda zvakaoma kuti usvitse vavariro idzodzo nemafungiro akanaka. Kushandira vamwe muushumiri hwechiKristu ndiyo nzira yakanakisisa yokuramba uchifunga nezvevamwe pane kungozvifunga.
• Ramba uchiremekedza vabereki vako. Nguva dzose yeuka kuramba uchiita zvinodzidziswa neBhaibheri. Izvi zvinosanganisira kukudza vabereki vako. (VaEfeso 6:1, 2) Kukudza kwakadaro kuchareva kuti hauzodi kutsiva. Yeuka kuti hapana kukanganisa kuri kuitwa nomubereki kunokupa mvumo yokukanganisawo. Saka siyira nyaya yacho mumaoko aJehovha. (VaRoma 12:17-21) Ndiye “unoda zvakarurama” uye anoda zvikuru kudzivirira vana. (Pisarema 37:28; Eksodho 22:22-24) Zvaunoramba uchiremekedza vabereki vako zvakafanira, edza kuva nezvibereko zvomudzimu waMwari—chikuru pane zvose, rudo.—VaGaratiya 5:22, 23.
Unogona Kubudirira
Ichokwadi kuti kushaya rudo rwomubereki kunogona kurwadza. Asi kutadza kwomubereki hakufaniri kusarudza kuti uchava munhu akaita sei. Unogona kusarudza kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka kana ukashandisa mazano eBhaibheri ataurwa muupenyu hwako.
William, ane mashoko ambotaurwa, mushandi wenguva yakazara pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha. Anoti: “Jehovha akatipa zvinhu zvakawanda kuti tikwanise kurarama mumamiriro ezvinhu aya akaoma zvikuru. Iropafadzo chaiyo kuva naBaba vokudenga vakadaro vane hanya nesu!” Hanzvadzi yake, Joan, mushumiri wenguva yakazara, piyona, achishanda kunzvimbo inodiwa vaparidzi vakawanda. “Pataikura, takaona musiyano ‘wouyo anoshumira Mwari nouyo asiri kumushumira,’” anodaro. (Maraki 3:18) “Zvakaitika kwatiri zvinotipa chivimbo chakasimba chokurwira chokwadi uye kuita kuti chive chedu.”
Izvi zvinogona kudaro kwauriwo. “Vanodzvara nemisodzi vachakohwa nomufaro,” Bhaibheri rinodaro. (Pisarema 126:5) Ndima iyi inoshanda sei? Kana ukashanda nesimba kushandisa dzidziso dzakarurama mumamiriro ezvinhu akaoma, misodzi yako ichaguma yava mufaro apo uchakomborerwa naMwari.
Naizvozvo ramba uchishanda kuti uswedere pedyo naJehovha Mwari. (VaHebheru 6:10; 11:6) Kunyange kana wakatambura makore akawanda okushushikana, kuodzwa mwoyo, kunzwa uine mhosva, manzwiro aya anogona kupera zvishoma nezvishoma otsiviwa “norugare rwaMwari runokunda kufunga kwose.”—VaFiripi 4:6, 7.
[Mashoko Omuzasi]
a Mamwe mazita akachinjwa.
[Bhokisi riri papeji 14]
Unofunga kuti . . .
• Haukoshi kana kuti hauna basa here?
• Hazvina kunaka kana kuti kusachenjera kuvimba nevamwe here?
• Unoda kuramba uchiudzwa kuti unodiwa here?
• Hasha dzako kana kuti shanje dzakanyanyisa here?
Kana mhinduro yako kumibvunzo iyi iri yokuti hungu, taura nomubereki waunovimba naye, mukuru muungano, kana kuti imwe shamwari yakakura mumudzimu pasina kunonoka.
[Mifananidzo iri papeji 15]
Tora matanho akanaka kuti urarame nemanzwiro aunoita