Jobho
33 “Asi iye zvino Jobho, inzwa mashoko angu;
Teerera zvese zvandiri kutaura.
5 Ndipindure kana uchikwanisa;
Ronga mashoko pamberi pangu; gadzirira.
7 Saka haufaniri kunditya,
Uye hapana chiri pandiri chinofanira kukutyisa.
8 Asi wakataura ndichinzwa,
Ndakaramba ndichingonzwa mashoko aya,
9 ‘Ndakachena, handina chitadzo;+
Ndakachena, handina chivi.+
12 Asi zvauri kutaura hazvisirizvo, saka ndichakupindura:
Mwari mukuru kwazvo kupfuura munhu.+
13 Nei uchingonyunyuta nezvake?+
Inyaya yekuti haapinduri mashoko ako ese here?+
14 Nekuti Mwari anotaura kamwe chete uye kechipiri,
Asi hapana anomuteerera,
15 Kuhope, muchiratidzo cheusiku,+
Vanhu pavanofa nehope
Vakarara pamibhedha yavo.
Uye anoisa mirayiro yake mavari,
17 Kuti aite kuti munhu arege zvakaipa+
Uye kuti aite kuti munhu asazvikudza.+
18 Mwari anoponesa mweya wake kuti usapinda* mugomba,*+
Upenyu hwake kuti hurege kuparadzwa nebakatwa.*
19 Munhu anotsiurwawo nemarwadzo ari pamubhedha wake
Uye nekurwadza kunenge kuchiita mapfupa ake,
20 Zvekuti anotanga kusema chingwa,
21 Nyama yake inopera zvekusaoneka,
Uye mapfupa ake aisaoneka anobuda pachena.
Mumiririri mumwe chete pachiuru,
Kuti izoudza munhu zvinhu zvakarurama,
24 Mwari anobva amunzwira nyasha oti,
Ndawana rudzikinuro!+
26 Achateterera Mwari,+ uyo achamufarira,
Uye achaona chiso chake achipembera,
Uye iye achadzorera munhu kururama kwake.
27 Munhu iyeye achazivisa* vanhu achiti,
‘Ndakatadza+ uye ndakakanganisa zvinhu zvakarurama,
Asi handina kuwana zvakandikodzera.*
29 Chokwadi Mwari anoita zvinhu zvese izvi
Kaviri, katatu, achiitira munhu,
30 Kuti amudzore* kubva mugomba,*
Kuti avhenekerwe nechiedza cheupenyu.+
31 Teerera, Jobho! Nditeerere!
Ramba wakanyarara, ndirambe ndichitaura.
32 Kana uine chauri kuda kutaura, ndipindure.
Taura, nekuti ndiri kuda kubudisa pachena kuti hauna mhosva.
33 Kana usina chekutaura, unofanira kunditeerera;
Ramba wakanyarara, ndikudzidzise uchenjeri.”