Jobho
33 “Zvino, ndapota inzwa mashoko angu, haiwa iwe Jobho,
Uteerere zvose zvandichataura.
2 Ndapota, tarira! ndinofanira kushama muromo wangu;
Rurimi rwangu nomukanwa mangu+ zvinofanira kutaura.
5 Kana uchikwanisa, ndipindure,
Ronga mashoko pamberi pangu; ugadzirire hako.
8 Kungoti wakataura ndichinzwa,
Uye ndakaramba ndichinzwa mashoko ako okuti,
9 ‘Ndakachena, handina kudarika;+
Ndakachena, uye handina kukanganisa.+
12 Tarira! Ndinokupindura kuti hauna kururama pachinhu ichi;+
Nokuti Mwari mukuru kwazvo kupfuura munhuwo zvake.+
14 Nokuti Mwari anotaura kamwe chete,
Uye kaviri+—kunyange zvazvo munhu asingazviteereri—
15 Pakurota,+ pane zvinoratidzwa+ usiku,
Vanhu pavanobatwa nehope huru,
Pavanenge vakakotsira vari pamubhedha.+
16 Ndipo paanovhura nzeve dzevanhu,+
Uye anoisa chisimbiso chake pane zvaanovarayira,
17 Kuti aite kuti munhu arege basa rake,+
Uye kuti avanze kudada+ kwomurume akagwinya.
18 Anodzora mweya wake kuti urege kuenda mugomba+
Noupenyu hwake kuti hurege kuparadzwa nechombo chinoitwa zvokukandwa.+
19 Anotsiurwa nemarwadzo ari pamubhedha wake,
Uye mapfupa ake anoramba achitambudzika.
20 Upenyu hwake hunoita kuti chingwa chisemese,+
Uye mweya wake unoita kuti zvokudya zvinonaka zvisemese.
21 Nyama yake inopera zvokusaoneka,
Uye mapfupa ake aisaoneka anobuda pachena.
23 Kana nhume ikasvika kwaari,
Mutauriri, mumwe chete pane vane chiuru,
Kuti azoudza munhu kururama kwake,
24 Anobva amunzwira nyasha oti,
‘Ngaarege kuburukira mugomba!+
Ndawana rudzikinuro!+
26 Achateterera Mwari kuti amufarire,+
Achaona chiso chake achishevedzera nokufara,
Uye Iye achadzorera munhuwo zvake kururama Kwake.
27 Achaimbira vanhu, achiti,
‘Ndakatadza;+ ndakatsaudzira pazvinhu zvakarurama,
Uye zvakanga zvisiri chinhu chakakodzera kwandiri.
29 Tarirai! Mwari anoita zvinhu zvose izvi,
Kaviri, katatu, nokuda kwomurume akagwinya,
30 Kuti adzore mweya wake kuti urege kuenda mugomba,+
Kuti avhenekerwe nechiedza chevapenyu.+
31 Teerera, haiwa iwe Jobho! Nditeerere!
Ramba wakanyarara, uye ini ndicharamba ndichitaura.
32 Kana paine chero mashoko api zvawo okutaura, ndipindure;
Taura, nokuti ndafarira kururama kwako.