Jobho
6 Jobho akabva apindura achiti:
3 Nekuti iye zvino zvava kurema kupfuura jecha remumakungwa.
Ndokusaka mashoko angu anga ari ekuvhurumuka.*+
4 Nekuti miseve yeWemasimbaose yandibaya,
Uye mweya* wangu uri kunwa uturu hwayo;+
Kutyisa kunobva kuna Mwari kwarongwa kuti kundirwise.
5 Dhongi remusango+ ringachema riine uswa here,
Kana kuti mukono wemombe ungakuma uine chikafu chawo here?
7 Ndaramba* kubata zvinhu zvakadaro.
Zvakafanana nezvekudya zvinorwarisa.
8 Dai chikumbiro changu chapindurwa
Uye dai Mwari andiitira zvandinoshuva!
10 Nekuti kunyange izvozvo zvingandinyaradza;
Ndingasvetuka nemufaro pasinei nekurwadziwa kusingaperi,
Nekuti handina kuramba mashoko eMutsvene.+
11 Ndine simba rekuramba ndakamirira here?+
Uye ndichapedzisira ndawanei, chandingaramba ndichiraramira?*
12 Ndakasimba sedombo here?
Kana kuti nyama yangu ndeyemhangura here?
13 Pane zvandinogona kuita kuti ndiwane rubatsiro here
Ini ndabvisirwa zvese zvainditsigira?
15 Hama dzangu chaidzo dzakandinyengera+ serukova rwemuchando,
Semvura yemuhova dzemuchando inokurumidza kuoma.
16 Dzinosvibiswa nechando,
Uye chando chiri kunyunguduka chinovanzwa madziri.
17 Asi mumwaka wadzo dzinoshayiwa mvura, dzopwa;
Kana kwopisa, dzinooma.
18 Dzinotsauswa kwadzanga dzakananga;
Dzinoyerera dzichipinda mugwenga, dzonyangarika.
20 Vari kunyara nekuti vakavimba nezvinhu zvisipo;
Vanoenda ikoko voodzwa mwoyo.
22 Ndamboti here, ‘Ndipei chimwe chinhu,’
Kana kukumbira kuti mundibatsire nechipo chinobva papfuma yenyu?
25 Mashoko echokwadi haarwadzi!+
Asi mashoko enyu ekunditsiura anobatsirei?+
26 Muri kuronga kunditsiura pane zvandiri kutaura here,
Zviri kutaurwa nemunhu akaora mwoyo,+ zvinongotorwawo nemhepo?
28 Saka cheukai munditarise,
Nekuti handingambonyepi pamberi penyu.
29 Ndinokumbirawo kuti munyatsofunga, musandione zvisiri izvo,
Chokwadi, nyatsofungai, nekuti kururama kwangu hakuna kuchinja.
30 Rurimi rwangu ruri kutaura zvisina kururama here?
Mukanwa mangu hamunzwi kuti pane chinhu chisina kumira zvakanaka here?