Mapisarema
Miktamu* yaDhavhidhi.
16 Ndidzivirireiwo Mwari, nekuti ndakapotera kwamuri.+
2 Ndakati kuna Jehovha: “Ndimi Jehovha, munoita kuti ndive akanaka.
4 Vaya vanotevera vamwe vanamwari vanozviwedzera marwadzo.+
Handizombodururi mipiro yavo yezvinwiwa yeropa,
Uye miromo yangu haizombotauri mazita avo.+
5 Jehovha ndiye nhaka yangu, mugove wangu,+ uye kapu yangu.+
Munochengetedza nhaka yangu.
6 Ndakayererwa nzvimbo dzinofadza.
Ndinogutsikana nenhaka yangu.+
7 Ndicharumbidza Jehovha, uyo akandipa zano.+
Kunyange usiku, pfungwa dzangu dzakadzama* dzinondiruramisa.+
8 Ndinoita kuti Jehovha agare ari pamberi pangu.+
Handizombozununguswi* nekuti ari kuruoko rwangu rwerudyi.+
9 Saka mwoyo wangu unopembera, ndinonzwa kufara.
Uye ndinogara ndakachengeteka.
10 Nekuti hamuzondisiyi* muGuva.*+