Bhuku Rechipiri raSamueri
9 Dhavhidhi akabva ati: “Pachiine mumwe munhu asara weimba yaSauro here wandingaratidza rudo rusingachinji nekuda kwaJonatani?”+ 2 Zvino kwaiva nemushandi weimba yaSauro ainzi Zibha.+ Saka vakamushevedza kuti auye kuna Dhavhidhi, uye mambo akamubvunza kuti: “Ndiwe Zibha here?” Iye akati: “Ndini muranda wenyu.” 3 Mambo akabva ati: “Pachiine mumwe munhu weimba yaSauro here wandingaratidza rudo rwaMwari rusingachinji?” Zibha akapindura mambo kuti: “Pachiine mwanakomana waJonatani; ane tsoka dzakaremara.”+ 4 Mambo akamubvunza kuti: “Ari kupi?” Zibha akati kuna mambo: “Ari kumba kwaMakiri+ mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari.”
5 Mambo Dhavhidhi akabva aita kuti anotorwa kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari. 6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakapinda maiva naDhavhidhi, akabva apfugama, akadzikisa musoro wake. Dhavhidhi akabva ati: “Mefibhosheti!” iye akati: “Ndiri pano ishe wangu.” 7 Dhavhidhi akati kwaari: “Usatya, nekuti chokwadi ndichakuratidza rudo rusingachinji+ nemhaka yababa vako Jonatani, uye ndichakudzorera munda wese wasekuru vako Sauro, uye uchadya* patafura yangu nguva dzese.”+
8 Akabva apfugama, akadzikisa musoro wake akati: “Muranda wenyu chiiko, zvamayeuka iniwo zvangu imbwa yakafa?”+ 9 Mambo akabva aita kuti Zibha mushandi waSauro anoshevedzwa, akati kwaari: “Ndiri kupa muzukuru watenzi wako zvinhu zvese zvaiva zvaSauro nezveimba yake yese.+ 10 Uchamurimira munda, iwe nevanakomana vako nevaranda vako, uye uchakohwa zvirimwa zvacho kuti mhuri yemuzukuru watenzi wako idye. Asi Mefibhosheti, muzukuru watenzi wako, achadya patafura yangu nguva dzese.”+
Zibha aiva nevanakomana 15 nevaranda 20.+ 11 Zibha akabva ati kuna mambo: “Muranda wenyu achaita zvese zvinenge zvarayirwa nashe wangu mambo.” Saka Mefibhosheti aidya patafura yaDhavhidhi* semumwe wevanakomana vamambo. 12 Mefibhosheti aivawo nemwanakomana mudiki ainzi Maika;+ uye vese vaigara mumba maZibha vakava varanda vaMefibhosheti. 13 Mefibhosheti aigara muJerusarema nekuti aidya patafura yamambo nguva dzese;+ uye tsoka dzake dzakanga dzakaremara.+