2 Samueri
9 Zvino Dhavhidhi akati: “Pachine mumwe munhu asara weimba yaSauro here, kuti ndimuitire mutsa worudo+ nokuda kwaJonatani?”+ 2 Zvino imba yaSauro yaiva nomumwe mushandi ainzi Zibha.+ Naizvozvo vakamushevedza kuti auye kuna Dhavhidhi, mambo akabva ati kwaari: “Ndiwe Zibha here?” iye akati: “Ndini mushandi wenyu.” 3 Mambo akati: “Hapasisina mumwe weimba yaSauro here, kuti ndimuitire mutsa worudo waMwari?”+ Zibha akati kuna mambo: “Kuchine mwanakomana waJonatani, akaremara tsoka.”+ 4 Mambo akabva ati kwaari: “Ari kupi?” Naizvozvo Zibha akati kuna mambo: “Tarirai! Ari kumba kwaMakiri+ mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari.”+
5 Mambo Dhavhidhi akabva atumira shoko, akamutora kumba kwaMakiri mwanakomana waAmieri kuRo-dhebhari. 6 Mefibhosheti mwanakomana waJonatani mwanakomana waSauro paakapinda maiva naDhavhidhi, akabva angowira pasi nechiso chake, akagwadama.+ Dhavhidhi akabva ati: “Mefibhosheti!” iye akati: “Ndiri pano ini mushandi wenyu.” 7 Dhavhidhi akati kwaari: “Usatya, nokuti chokwadi ndichakuitira mutsa worudo+ nokuda kwababa vako Jonatani;+ ndichakudzorera munda+ wose wasekuru vako Sauro, uye iwe uchadya zvokudya patafura yangu nguva dzose.”+
8 Akabva agwadama, akati: “Mushandi wenyu chiiko, zvamarangarira imbwa yakafa+ yakaita seni?” 9 Zvino mambo akashevedza Zibha, mushandi waSauro, akati kwaari: “Ndiri kupa+ muzukuru watenzi wako zvinhu zvose zvaiva zvaSauro nezveimba yake yose. 10 Unofanira kumurimira munda, iwe nevanakomana vako nevashandi vako, ukohwe, uye zvichava zvokudya zvevanhu vomuzukuru watenzi wako, uye vachadya; asi Mefibhosheti, muzukuru watenzi wako, achadya zvokudya patafura yangu nguva dzose.”+
Zvino Zibha aiva nevanakomana gumi nevashanu nevashandi makumi maviri.+ 11 Naizvozvo Zibha akati kuna mambo: “Mushandi wenyu achaita maererano nezvose zvinorayirwa nashe wangu mambo nokuda kwomushandi wake; asi Mefibhosheti+ achadya patafura yangu somumwe wevanakomana vamambo.” 12 Zvino Mefibhosheti akanga aine mwanakomana muduku ainzi Maika,+ uye vose vaigara mumba maZibha vaiva vashandi vaMefibhosheti. 13 Mefibhosheti pachake aigara muJerusarema, nokuti aidyira patafura yamambo nguva dzose;+ uye akanga akaremara tsoka dzake.+