Kuremekedza Vakadzi Muungano
NOKUDA kwamaKristu Bhaibheri rinosimbisa nhevedzano youmusoro youbati ushe hwaMwari, Kristu achiva anozviisa pasi paMwari, murume achizviisa pasi paKristu, uye mukadzi achizviisa pasi pomurume wake. (1 VaKorinte 11:3) Zvisinei, uku kuzviisa pasi hakurevi udzvinyiriri. Umusoro mumhuri hahusati huchitongosimbiswa namasimba masimba, angave omumuviri, endangariro, kana kuti anotaurwa. Kupfuurirazve, umusoro hwechiKristu hune mwero uye hausati huchireva kuti murume anogona kuva mudzvinyiriri anozvirangarira amene kuva asingakanganisi.a Kuziva kuti kutaura kwokuti “Ndine urombo, wanga wakarurama” kunofanira kuitwa sei uye rini kungagona kubetsera roorano dzakawanda kuva dzinozorodza vose nedzinogara kwenguva refu. Bva, mashoko iwayo okuzvininipisa anogona kuva anodzipa nenzira iri nyore sei!—VaKorose 3:12-14, 18.
Muzano ravo reroorano, vaapostora vechiKristu Pauro naPetro vanotidzorera nguva dzose kumuenzaniso waKristu. Ruremekedzo runowanwa kupfurikidza nomuenzaniso unozorodza womurume sezvo anotevedzera muenzaniso uyo Kristu akagadza, sezvo “murume ari musoro womudzimai wake saKristu ariwo musoro weungano, iye achiva muponesi womuviri iwoyu.”—VaEfeso 5:23, NW.
Zano raPetro kuvarume rakajeka: “Imi varume, pfuurirai kugara nomutoo wakafanana na[vadzimai venyu] mukuwirirana nezivo.” (1 Petro 3:7, NW) Shanduro yazvino uno yeSpania inotaura namamwe mashoko mifungo iyoyi, ichiti: “Kana vari varume: ratidzai kunzwisisa muupenyu hwenyu hunogoveranwa, muchiratidza kurangarira mudzimai.” Aya mashoko anoreva zvinhu zvakawanda, kubatanidza kunzwisisa muroorano. Murume haafaniri kurangarira mudzimai wake senzira chete yokugutswa nayo muvatano. Mumwe mudzimai uyo akanga atambura kubatwa zvisina kufanira kwavana akanyora, kuti: “Ndinoshuva bedzi kuti kudai maigona kutaura zvakawanda pamusoro petsigiro iyo murume anogona kupa kumudzimai uyo akava neichi chinoitika. Icho vazhinjisa vedu vadzimai tinofanira kuziva ndechokuti tinodiwa zvirokwazvo uye tinotarisirwa, kwete kuti tiripo kuti tingogutsa chete zvishuvo zvokunyama zvakati kana kuti somuchengeti weimba, pasina kubatana kwemirangariro.”b Roorano yakavambwa naMwari kuti varume navadzimai vagone kuva shamwari navabetseri vomumwe nomumwe. Inhau yebatira pamwe nokuremekedzana.—Genesi 2:18; Zvirevo 31:28, 29.
“Mudziyo Une Simba Duku” Sei?
Petro anopawo zano varume kuti vape rukudzo kuvadzimai vavo va“chiti ndiye mudziyo une simba duku kwamuri.” (1 Petro 3:7) Chii icho Petro aigona kuva akareva nokutaura kuti mukadzi “mudziyo une simba duku”? Zvamazvirokwazvo, muzvose hazvo, mukadzi ane simba duku mumuviri kupfuura murume. Musiano wechimiro chamakodo nechetsandanyama unoparira ikoko. Asi kana tikataura nezvesimba romukati retsika, ipapo mukadzi haasati atongori ane simba duku kupfuura murume. Vakadzi vakatsungirira kwamakore migariro iyo zvichida varume vazhinjisa vaisazoshivirira kunyange kwechinguvana—kubatanidza kubatwa zvisina kufanira nomurume ane masimba masimba kana kuti anodhakwa. Uye funga izvo mukadzi anotsungirira kuti abereke mwana, kubatanidza maawa okurwadziwa pakusununguka! Murume upi noupi anonzwisisa uyo akapupurira nenji rokubereka anofanira kusara nomurangariro woruremekedzo rwakawedzerwa nokuda kwomudzimai wake nesimba rake romukati.
Pamusoro peiyi nhau yesimba retsika romukati, Hannah Levy-Haas, imwe nhapwa yechiJudha yomumusasa wechibharo weNazi weRavensbrück yakanyora mubhuku rayo rezvinyorwa zvezvinoitika zvezuva nezuva muna 1944, kuti: “Chimwe chinhu muno chinonditsamwisa zvikuru, uye icho ndiko kuona kuti varume vane simba duku zvikuru uye vanokwanisa zvishomanene kutsungirira nhamo kupfuura vakadzi—mumuviri uye kazhinji kazhinji mutsikawo. Vasingakwanisi kuzvidzora vamene, vanoratidzira kushaikwa kwakadaro kwesimba retsika zvokuti mumwe hapana zvaanogona kuita kunze kwokuvanzwira urombo.”—Mothers in the Fatherland, rakanyorwa naClaudia Koonz.
Ichi chinoitika chinobatira kuratidzira kuti hakuna hwaro hwakasimba hwokubata vakadzi zvisina kunaka nemhaka bedzi yokuti vangava vane simba duku mumuviri. Edwin Reischauer akanyora, kuti: “Munguva dzazvino uno, kunongogamuchirwawo zvako kuti vakadzi vane simba rinodzora kuda kwavo rakawanda nesimba rendangariro kupfuura varume.” (The Japanese) Iri simba rinogona kushandiswa muungano yechiKristu apo vakadzi vakakura mumudzimu vangava vanokwanisa kubetsera vamwe vakadzi vari kutambura nhamo yendangariro yakakomba. Zvamazvirokwazvo, mune mimwe migariro kuri nyore zvikuru kuti mukadzi anobatwa zvisina kufanira atendeukire kumukadzi akakura mumudzimu nokuda kwebetsero yapakarepo kupfuura kumurume. Kana dikanwo ikavapo, mukuru wechiKristu angabvunzwa nokuda kweimwe nhungamiro.—1 Timotio 5:9, 10; Jakobho 5:14, 15.
Kurambwa chose chose kwokuita kwomukadzi sokwemirangariro, kuchinzi kunoparirwa no“kuenda kumwedzi” kunotsamwisa vakadzi vakawanda. Betty, muKristu chaiyeiye, akati: “Tinoziva, sokunyora kwakaita muapostora Petro, kuti mumativi akati tiri ‘mudziyo une simba duku,’ wechikadzi, une chimiro chisina kusimba zvikuru chomuviri. Asi ikoko hakusati kuchireva kuti foromani kana kuti mutarisiri anofanira kuva anodzvinyirira naanodyeredzera, achitaura kuti kuita kwomukadzi kuri kwose kunoparirwa nenguva yedu yomwedzi nomwedzi. Takachenjera uye tinoda kuteererwa noruremekedzo.”
Havasati vari vakadzi vose vanodzorwa nemirangariro, sezvo vasati vari varume vose vasingadzorwi nemirangariro. Munhu mumwe nomumwe anofanira kurangarirwa somunhu oga. Betty, anokorwa mashoko pamberi pezvi, akaudza Mukai!, kuti: “Handifariri kuva anorangarirwa pahwaro hwokuva munhukadzi. Ndakaona varume vachichema ndokuva vachidzorwa nemirangariro. Uye kune vakadzi vanogona kuva vakashinga. Naizvozvo varume ngavatiteerere nenzira yokusasarura vasingafungi nezvokuva munhurume kana kuti munhukadzi.”
Chii Chinodikanwa Nokuda Kwechinjo?
Kana kuchizofanira kuva nechinjo nokuda kwezviri nani, vamwe vangataura kuti hakuna kukwana kuti vakadzi vaite nhimbe nokuda kwamaruramiro avo uye nokuda kweruramisiro; uyewo hakuna kukwana kuti varume vaite zviito zvachero zvokuremekedza vakadzi. Mutsika iri yose nomugariro, varume vanofanira kunzvera basa ravo mumugariro wacho ndokuzvibvunza vamene kuti chii chavanogona kuita kuti vaite kuti upenyu huve hunofadza zvikuru uye hunozorodza zvikuru nokuda kwavakadzi.—Mateo 11:28, 29.
Munyori nomudetembedzi Katha Pollitt akanyora muTime, kuti: “Varume vazhinjisa, chokwadika, havabati chibharo kana kuti kurova kana kuti kuuraya. Asi ikoko hakusati kuchireva, sezvo vazhinji zvikuru vavo vanoratidzika kuva vanofunga, kuti havana chinhu chokuita namasimba masimba mukurwisana navakadzi. Mumwe nomumwe wedu muupenyu hwedu hwezuva nezuva anobetsera kuumba mifungo yetsika nezvinogamuchirwa izvo zvinojekesa ganhuriro dzezvinobvumirwa. . . . Ndiri kutaura pamusoro pavarume vanopinda mukuzvinzvera kwakakomba, vachirwisana nokufungira mano akaipa kwavo namaropafadzo, vachigamuchira mugove wavo wakarurama womutoro nokuda kwomugariro wakaipa watiri mauri.”
Asi kunyange kana varume kupota nyika yose vakaita chinjo huru muzvimiro zvavo zvendangariro kuvakadzi, chinenge chichiri chisati chiri chigadzikiso chakakwana chokusaruramisira kunotambudza rudzi rwomunhu. Neiko? Nemhaka yokuti varume vari kuita kusaruramisira noutsinye kwete pavakadzi chete asi pavarume biyavo. Hondo, masimba masimba, kuponda, mapoka akashongedzwa nezvombo zvokuuraya vavengi, uye ugandanga zvichiri mugariro wakatekeshera wezvinhu munyika dzakawanda. Chinodikanwa muitiro mutsva wose wokutonga wepasi rose. Uye dzidzo itsva nokuda kworudzi rwose rwomunhu. Uye ndizvo izvo Mwari akapikira kupfurikidza nokutonga kwake kwoUmambo huri kudenga pamusoro papasi. Panguva iyoyo bedzi apo ruramisiro yechokwadi nokuenzana zvichavako nokuda kwavose—varume, vakadzi, uye vana. Panguva iyoyo bedzi apo kuremekedzana kwechokwadi kuchavako pakati pavarume navakadzi. Bhaibheri rinokutaura neiyi nzira pana Isaya 54:13 (NW), kuti: “Vanakomana vako vose [navanasikana] vachava vanhu vakadzidziswa naJehovha, uye rugare rwavanakomana vako [navanasikana] ruchawanda.” Hungu, dzidzo yakafanira munheyo dzakarurama dzaJehovha ichabetsera kuparira nyika itsva yokuremekedzana.
[Mashoko Omuzasi]
a Ona “Chii Chinoreva Kuzviisa Pasi Muroorano?” Nharireyomurindi, December 15, 1991, mapeji 19-21.
b Ona Mukai! No. 4, 1991, mapeji 3-11; April 8, 1992, mapeji 26-29.
[Mufananidzo uri papeji 16]
Kazhinji kazhinji mukadzi akakura mumudzimu anogona kupa zano rinobetsera
[Mufananidzo uri papeji 17]
Kugoverana mabasa apaimba ndeimwe nzira iyo murume anogona kuratidza nayo ruremekedzo nokuda kwomudzimai wake